Chihebheru (Chirungu: Hebrew) ndiwo mumwe we mitauro ye Chishemu (Chisemiti) uye mumwe wemitauro miviri yenyika muIsiraeri (kusanganisira Chiarabhu). Ndiwo mumwe wemitauro yekare pasi rose.

Thumb
Isiraeri muChihebheru

Chihebheru chinowanzo nyorwa ne Keruro ye Chihebheru. Chinyorwa ichi chinonyanya kuve zvinzvanyira, nekuti zvinzvovera hazvinyorwe nekuda kwenzira yemutauro pachawo.

Chihebheru ndiwo mutauro unoshandiswa kunyora Torah uye mazhinji emamwe magwaro eChihebheru eBhaibheri. Ichi chikamu che Chihebheru pamwe nechidimbu chidiki cheChiaramu chinonzi "Tanakh" mutsika dze Ujudha (Chiyehudha) uye zviri muTestamende Yekare ye Bhaibheri reUkristu.

Mitauro yeSemaitiki

Mutauro weChihebheru pamwe neChiarabhu, Chiaramu neChiamhari (Itopiya) mitauro inotorwa kubva kumamviro mamwechete eChishemu. Kune mitauro mizhinji yakabva kumavambo mamwechete neChisurya, Chifonisha, Chicharudhea zvichingodaro.

Mabhii eChihebheru

Alef Bet / Vet Gimel Dalet He Waw Zayin Khet Tet Yod Kaf / Khaf
א ב ג ד ה ו ז ח ט י כ
ך
Lamed Mem Nun Samekh No Pe / Fe Tsadeh Qof Resh Shin / Sin Taw
To מ נ ס ע פ צ ק ר ש ת
ם ן ף ץ

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.