Shoko rokuti ChiVanhu rinoreva zvunhu zviviri. Chokutanga, Chivanhu zvinoreva mutaura wedu uyo wakapiwa zita rokuti ChiShona nemurungu ainzi Clement Doke mugore ra1931. VaShona pachavo, makare kare, vaiti mutauro wavo unonzi Chivanhu. Chechipiri, Chivanhu zvinoreva bumbiro retsika, mitemo, magariro nemafungiro evaShona.

Mutauro weChiVanhu

Mutauro weChiVanhu ndiwounonzi mazuvano mutauro weChiShona uyo wakavumbwa nezvikamu zvemitauro inoti: ChiKaranga, ChiZezuru, ChiManyika, ChiNdau, Chikore kore nezvimwe zvisina kudomwa pano.

Mafungiro eChivanhu

Vanhu veChiVanhu vanemafungiro anotangira pakuti zvinhu zvese zvepasirino zvakasikwa naMwari, uyo anofungwa kuti Mweya mukuru kukunda yese uye unoera uine masimba kukunda mweya yese. Mwari, mumavonero eChiVanhu, mweya unogara pese pese, muchinu chese chese chakasikwa, uchiziva zvese zvese zvaivapo, zviripo, nezvichavapo. Zvokufunga kuti Mwari uri kudenga, uyewo kuti Mwari anogara kudenga, ifungwa yakavuyiswa muvanhu veChiVanhu nevanhu veChiRungu, aya ari mafungiro eChiKirisitu. Vanhu veChiVanhu vane mafungiro anoti Mwari ari pese pese, pasirino nekumatenda. Uyewo Mwari unogona kuhwa zvatinotaura nezvatinofunga, uyewo isu tinoenda kuna Mwari tichiturikigwa nekuvadzimu vedu, ayo ari madzitateguru edu, uyewo midzimu yenharaunda, neyenyika. Vadzimu vanotitungamirira mukurarama kwedu, nokugadzikana pakati pedu nenyika nezvisikwa zvese zvapasirino. Hutungamiriri hwavadzimu hunonzi hunobva kuna Mwari, nokuti vadzimu ndivo vanotumwa naMwari kuti vatichengetedze. Zvinhu zvese zvatinoita zvinofungidzigwa kuti zvinechokuita nevadzimu kusvikira kuna naMwari.

Tsika dzeChivanhu

Tsika dzeChiVanhu ndiwo maitiro anopa munhu, kana kuti boka revanhu, hunhu mumeso nemavonero evanhu vari munharaunda yovugaro. Kusatevera tsika dzeChiVanhu zvinofungwa kuti zvinotsamisa midzimu uyewo Mwari Musiki wenyika.

rukudzo

kuva nerukudzo munharaunda nevavakidzani itsika dzakanaka

Mitemo yeChiVanhu

Mitemo yeChivanhu zviga zvinotemwa nemadzishe nemadzimabo enyika. Mitemo hainei nechokuita nemidzimu uye naMwari. Mitemo yeChiVanhu inotarisigwa kuti haipikisani netsika dzeChivanhu. Tsika dzinoonekwa sokuti dzinoera uyewo dzinokosha kudarika mutemo.

Magariro eChiVanhu

Magariro echiVanhu anofambirana netsika uyewo nemafungiro nemitemo zveChiVanhu.

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.