Hasha
From Wikipedia, the free encyclopedia
Hasha (kureva anger; wrath) manzwiro anoita munhu kana achinge ava kushatirwa. Hasha dzinoitika kana munhu aona kuti zvaari kuitirwa kana kabatirwo kaari kuita kasvika pakudarika mwero unogamuchirika kana une rukudzo. Kuti munhu anzi aita hasha zvinenge zvichionekwa kuburikidza nechitarisiko cheuso, mashoko aanenge otaura kana maitiro ake.