Hwayi kana mberere (Sheep in English) imhuka inopfuyiwa pamusha iri pamupanda wedzinoyamwisa. Hwayi dzinopfuyiwa Pasirose; asi nyika dzinoti Australia, New Zealand; nekuchamhembe kweziwumbe reSouth America ndiko kunonyanya kupfuyiwa hwayi.

Thumb
Hwayi

Hwayi dzinodyiwa nyama uye dzinokamiwa mukaka. Mamvanda ehwayi anogerwa achigadziriswa fleece neshinda inonzi wool. Pashinda dzinobva pamhuka mamvanda ehwayi aya ndiwo anonyanya kushandiswa Pasirose.

Mamwe Mazwi

  • Gondobwe (ram of sheep).
  • Chivemberekwa (large, fat sheep).
  • Dunzvi kana nhunzvi (ewe; she got that has had progeny). Nhunzvi yembudzi.
  • Shere, nyenye kana kanyenye (lamb of sheep or kid of goat) kutaura gwayana kana mbudzana.
  • Akaimba muimbi Shuvai Wutaunashe akati: Mambo Jesu ndimi nyenye yabaiwa isine mhaka.
  • Muushi (a shepherd). Kuusha (to shephered sheep) zvoreva kufudza hwayi.
  • Mamviri ehwayi (Wool).
  • Kuvevedza (to mate).

Kurerutsa Mutauro

  • Mirudza zvino madziso ako, uone, eshe magondohwe anovevedza zvifuyo ane misweeswee neemabvumbidza, neane maara: ‘Raise your eyes now, and look: all the male goats mating with the females are streaked, speckled and mottled (Genesis 31:12, Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu

  • VaLenje vanoti mbelele (sheep) kureva hwayi. Baila vanoti imbelele (n. sheep) kureva hwayi.
  • VaTonga vanoti mugutu (n. sheep ram) kureva gotora rehwayi. Sagara vanoti mvili (n. hair of head) kureva vhudzi.
  • VaNyungwe vanoti bira kana mabira pakuwanda (sheep) kureva hwayi. Nsenga vanoti mawoya (n. wool).
  • VaNyungwe vanoti makabusa kana amakabusa (sheppard/s) kureva muushi. Mang'anja vanoti kubusa (1. to herd; to drive together).
  • VaGiryama vanoti murisa (n. shephered) kureva mufudzi wehwayi.

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.