Ingi
From Wikipedia, the free encyclopedia
Ingi (Chingezi: ink) kana viro; wiro mutuvi, jyere kana godo ine husviba uye maingi, inoshandiswa kunyora mavara nekupenda pamusoro pezvimwe. Kune mhando dze ingi dzakasiyana senge dzinogadzirwa nemafuta uye dzinogadzirwa nemvura. Ingi inoshandiswa kunyoresa inowanzonzi ingi ye Chidhachi.
Ingi inogadzirwa mafuta inooma kana ikangochengetwa isingashandiswa nguva yakareba, uye ingi yemvura haishate kunyangwe ikachengetwa isingashandiswe asi inogona kuvhinza kana ikanyorova. Mumakore achangopfuura, "ingi yemvura" inoshandiswa zvakanyanya mumakaramu ebhiro uye mukupurinda. Inogona kugara yakachengetwa nguva yakareba, haivhinze kunyangwe painonyorova, uye inogona kubviswa nemunhu paanogeza maoko.