Somariya (Chisomari: Soomaaliya) kana kuti Somaliya ichinyorwa muChishona, inyika iri muAfurika muRunyanga rwe Afurika. Inoganhurana nenyika dzinoti: Itopiya iri kumadokero; Jibhuti kumaodzanyembaemadokero; Guhwi re Adheni kumaodzanyemba, Gungwa re India kumabvazuva neKenya kuchamhembechemadokero. Somariya ine nyanza yakarebesesa muAfurika yose.[1] KuSomariya kunonyanyogara kuchipisa kuchivawo nemhepo dzemonsoon nekunaya kusina kuwanda.[2]

Imwe horokodzwa Rufedherari rwe Rudhende rwe Somariya, Mitauro miviri yechihofisi: ...
Rufedherari rwe Rudhende rwe Somariya
Mitauro miviri yechihofisi:
Chisomari: Jamhuuriyadda Federaalka Soomaaliya
Chiarabhu: جمهورية الصومال الفيدرالية

Jumhūriyah as-Sūmāl al-Fīdirāliyah

Vhura

Somariya ine hugari hwemamirioni 10. Ruzhinji rwe vagari veSomariya (85%) ndeve ruchava rwe vanhu vechiSomari, vakabvira kare vachigaramo. Hugari hwasara ndehwevanhu vemamwewo marudzi. Vazhinji vevanhu ava vanogara kuchamhembe kwenyika. Chisomari neChiarabhu ndiwo mitauro yemumahofisi muSomariya, mitauro iyi ichibva mumhuri yemitauro ye Chiafro-Ezhiya. Vanhu vazhinji vemuSomariya vatendi veUyisalama, vazhinji vari maSunni.[3]

Vanhu vekuSomariya vanonzi Vasomari uye munhu mumwechete anonzi Musomari/Msomari.

Mabviro eruzivo:

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.