Uchivanhu
From Wikipedia, the free encyclopedia
Peji rino rinotaura nezve Chinamato che Chivanhu murizvino, kwete “Tsika ye Chivanhu” kana Huroyi.
Uchivanhu, Uchikaranga (kureva peoplehood; way or path of the people; Shona religion) Chivanhu kana Ukaranga, ndicho chinamato chechishona, chinowanzo sanganiswa netsika dzamazuva ose evanhu chero vatendi vaMwari kana vasingatendi Mwari. Zvinodai nokuti chinamato chacho chinonzi Chivanhu, zvichireva kuti chinamato cheVanhu verudzi rwe chiShona (Vakaranga, Vambire kana Vahungwe kana tichitodza nhoroondo), saka chero munhu Mushona anogona kungoti Chivanhu chakadai zvichiva sezvo, kunyangwe zvisina kufana nechinamato pachivambo chayo.
Uchivanhu itsika uye chinamato, chitendero kana chidaviro chedhidhizha re Vashona pahuwandu hwavo. Unamato une maseti ezvitendero uye zviito, tsika ye chinamato, nzira ye upenyu, kana Hunhu— maitiro echinamato kana urongwa wepasirose unofanhirwa kutoodzwa nevatendi. Huchivanhu hausi chinamato chakakura pasirose unotendwa muZimbabwe bedzi parizvino, asi havasi vanhu vose vanoona Uchivanhu sechinamato chakanaka nekuda kwe Hukoloni.