Arujeriya
From Wikipedia, the free encyclopedia
Remove ads
Arujeriya, Arujeria (kureva Algeria; Chiarabhu: الجزائر (al-Jazā'ir), Chibhebha:ⴷⵣⴰⵢⴻⵔ (Dzayer) kana Rujazaire, zita rayo repachihofisi i-Utemabanze we Rudhende rwe Vajazira inyika iino wanikwa muziwumbe re Afurika kuMaodzanyemba. Arujeriya inyika ye Uyisalama, gutaguru rayo rinonzi Aruja[2] uye inyika iri muchikamu cheMagharibhi. Kumaodzanyemba kwayo yakaganhwa ne bhahari re Medhiteraniya, uye kumaodzanyemba-emabvazuva yakaganhwa ne Tunisia, kumabvazuva neRibhiya uye neNayizhe kuchamhembechemaodzanyemba. Kuchamhembechemadokero chayo kune Maari ne Moritani, uye kumadokero kwe Sahara yakaganhwa neMoroko.
Arujeriya inyika hombe kwazvo muAfurika yese asi ruzhinji rwenyika yacho iGwenga re Sahara.
Zita renyika rakatorwa kubva kugutaguru rakadaidzwa nezita rimwe chete rekuti "al-fill-ir" kana nyika nhasi ichienda kumutauro weChiarabhu.
Vanhu vekuArujeriya vanonzi Vaarujeri uye munhu mumwechete anonzi Mwarujeri (Muarujeri).
Remove ads
Vambo rezita
Zita renyika rinobva kuguta reArujyezi iro rinobva kuchiarabhu al-Jazāʾir (الجزائر, "zvitsuwa"),[3] chimiro chakatemerwa chekare Jazāʾir Banī Mazghanna (جزائر بني مزغنة, "Zvitsuwa zveMadzinza eMazghanna"),[4][5][6] rinoshandiswa nevadzidzi vevatarivenyika vekare senge al-Idrisi.
Al, el, il, - anowanikwa mu Chiarabhu akati fananei na "ru-", "re-", "ri" we Chishona, saka al-Jaza-ir anenge ari ru-Jaza-ire.
Remove ads
Taranyika

Huwandu hwe chikamu chenzvimbo ye Arujeriya hwuri mugwenga, iro gwenga re sahara ririkudivi rechamhembe, saka chimuzana chemakumimaviri (20%) che chekumaodzanyemba enyikayo, ndiko kunenzvimbo ine ruzhinji rwe mamisha evanhu. Idzo nzvimbo dzacho dzirikudhuze ne Gombe re Medhiteriyani uye neMakomo e Atlasi. Iyo Atlasi yakakura kusvika mamita ezvuruzviviri mazanamatatu-nesere (2,308m) pamusoro pemwero we bhahari.
Gwenga re sahara rinotanga kuAtlasi uye richienda kuchamhembe kwe chisi che usw, richizobvaratevera unda unejecha pasitorina zvinomera. Kuchamhembe chenzvimbo dziri kumusoro, dzine matombo chete.
Kudzikirira kuchamhembe kunemakomo akaita seTassili n'Aijier ne Ahaggar, idzi dzine hurefu hwunosvika mamita ezvuruzviviri mazanamapfumbamwe-neguminesere (2,918m), richimera zvimera zvinoungana kunge zvitsuwa mugwenga. Kune nzizi dziri kumaodzanyemba enzvimbo dzecherugombe. Mipata yenzizi yemukati yakaoma, kunze kwekumashure kunoita kunge kwakanayiwa, nzizi dzinesimba dzinovoneka manhambo anotevera.
Remove ads
Hwewa

Nzvimbo irikuchamhembe ine hwewa hwunoshandukwa neBhahari re Medhiteriyani. Hujoto pamwedzi waNyamavhuvhu unosvika 25°C uye mumwedzi waNdira unosvika 12 ° C.
Mumakomo marefu kune chando chinotonhora uye kunogona kuwanikwa magodo emvura muzhizha raNdira asi kupisa kwacho kunokanyanya muna Chikunguru / Nyamavhuvhu.
Chamhemmbe cheAtirasi ndicho chinotanga mamiriro egwenga; hujoto hunogona kusvika pamusoro pe20 ° C muzuva rimwe. Muzhizha hujoto hwunodarika 40 ° C asi munguva yechando inodonha pasi pe ° C panguva dzeusiku.
Mvura inonaya yakanyanya kuderera: kunoita makore akateedzana pasina kana donhwe rimwe. Mumakomo eAhaggar mune puresipitesheni ishoma nekuda kwemhute, saka miti inenge yakati wandei nezvimwe zvinomera zviripo.
Matunhu eArujeriya
Kune nzvimbo 48 dzehutungamiriri dzinodaidzwa kuti matunhu, anowirirana zvakanyanya kumatunhu ari kune dzimwe nyika.
1 Adrar
2 Chlef 3 Laghouat 4 Oum el-Bouaghi 5 Batna 6 Béjaïa 7 Biskra 8 Béchar 9 Blida 10 Bouira 11 Tamanghasset 12 Tébessa |
13 Tlemcen
14 Tiaret 15 Tizi Ouzou 16 Algiers 17 Djelfa 18 Jijel 19 Sétif 20 Saida 21 Skikda 22 Sidi Bel Abbes 23 Annaba 24 Guelma |
25 Constantine
26 Médéa 27 Mostaganem 28 M'Sila 29 Mascara 30 Ouargla 31 Oran 32 El Bayadh 33 Illizi 34 Bordj Bou Arréridj 35 Boumerdès 36 El Tarf |
37 Tindouf
38 Tissemsilt 39 El Oued 40 Khenchela 41 Souk Ahras 42 Tipasa 43 Mila 44 Aïn Defla 45 Naama 46 Aïn Témouchent 47 Ghardaïa 48 Relizane |
Remove ads
MaGuta eArujeriya
Vanhu

Vazhinji vagari vane musanganiswa weropa rweArabhu neTibheria uye mashoma eropa re Turuki neTibheria; vangangoita vese (98%) vanotevera chitendero cheUyisalama.
MaKristu vanotora huwandu 1%, kusanganisira maPurotestandi nemaKaturiki, asi vamwe vanokundikana kubuda nekuda kwekutya kutambudzwa.
Mitauro yepamutemo ndeyeChiarabhu (72%) uye Chihebheru (27-30%), asi vazhinji vacho vanotaurawo Chifurenji.
Remove ads
Mabviro eruzivo
Wikiwand - on
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Remove ads