Chizulu

From Wikipedia, the free encyclopedia

Remove ads

Chizulu (Zu: Isizulu, Ndex: Sizulu, Isizulu) mutauro wechiBantu wekuChamhembe cheAfurika webazi reNguni (kana dzinza revanhu vechiNguni) unotaurwa muAfurika Chamhembe. Ndiwo mutauro weMazulu. Dunhu reVazulu rinonyanya kugara kuKwaZulu-Natari muAfurika Chamhembe. Chizulu ndiwo mutauro wepamusha unotaurwa zvakanyanya muAfurika Chamhembe (24% yevagari), uye unonzwisiswa nevanhu vanodarika makumi mashanu muzana (50% huwandu wevanhu). Chizulu chakava imwe yemitauro gumi nematanhatu ye Afurika Chamhembe muna 1994. Chizulu mutauro wechipiri uchikundwa neChiswahiri unotaurwa nevanhu vakawanda.[1]

Imwe horokodzwa Ichizvarwa che:, Rhijoni: ...
Remove ads

Zita

Vanguni

Chizulu

Shoko rekuti Zulu kuVazulu rinoreva zvinhu zvakasiyana asi zvese zvinoita nekuva pamusoro kana kumusuro:

  • Izulu leli = Iri idenga (This is heaven)
  • Ngiphezulu = Ndiri pamusoro. (I am on top)
  • Izulu = Denga (Heaven)
  • Phezulu = Pamusoro (above; up)

Chixhosa

Chizulu neChixhosa mitauro yakafanana uye inonzwisisana nekuti dzese mitauro yechiNguni. Saka vane mashoko akafanana akawanda, chinogona kusiyana matauriro kana mashandisirwo emamwe mashoko sezvinoita Chizezuru neChikaranga (mitauro yeChishona).

  • Izulu = Denga (Chirungu: heaven)
  • Ndiphezulu = Ndiri pamusoro. (Chirungu: I am on top)

Vashona

Chishona

MuChishona, zvivaramai zvekuti r na l zvimwechete, saka Zulu anoitwa Zuru. Iro shoko rekuti 'zuru' rinoreva zvimwechete muChishona sezvarinoita muChizuru kwarinonzi 'zulu'.

Zvisinei, muchirangarira kuti Chishona neChizulu mitauro yese iri miviri unoiswa mubazi rechiBantu. Nepo shoko rekuti 'denga' (heaven muChishona) neIzulu (heaven muChizulu) zvakasiyana. Asi mashoko ekuti 'usoro' uye 'soro' achibva kushoko rekuti 'pamusoro' ndiwo mashoko ari pedyo neshoko rekuti 'Zulu '.

  • Phezulu = Pamusoro
  • Izulu = Usoro (Usolo kana Shona yaive ne-'L', asi haina).
  • Zulu = Soro (Solo kana Shona yaive ne-'L', asi haina)

Kune akawanda mashoko echiNguni neShona anogovera chirevo uye anoita kakunzwika zvakafanana. Zvakare pane mashoko anonyorwa kana kutaurwa zvakafanana uye anonzwika zvakafanana, kozoita mamwe asingareve zvinhu zvimwechete.

Enzaniso:

  • izolo = nezuro / zuro (yersterday)
  • Namhuhla = nhasi (today)
    • rinonzwika sekuti "ndamuka" / "ndamutsa"
  • Kusasa = mangwana (tomorrow)
    • Muchishona Kusasa zvinoreva kuti "to tell a speech"
Remove ads

Nhoroondo

Mazulu, saVaxhosa nevamwe vanhu vechiNguni, vakagara muSouth Afrika kwenguva yakareba. Mutauro weZulu unematinji akati wandei anowanikwa mumitauro yeSouth Afrika, isingawanikwe muAfrika yese. Vanhu vechiNguni vakagara pamwe chete nemamwe madzinza ekumaodzanyemba seMakhoisan (Vasan neVakhoi).

Kugoverwa kwemutauro

Vanhu vekuZulu vanoenda kune dzimwe nyika vakaendesa kunzvimbo dziri padhuze, kunyanya Zimbabwe, uko mutauro weChindebele unonzwisisana zvakanyanya neZulu. Xhosa, mutauro unonyanya kutaurwa muEastern Cape, unowanzoonekwa seunonzwisisika nechiZulu, sezvakaita Northern Ndebele.[2][3]

Remove ads

Mabhii eChizulu

Chizulu semutauro zhinji wechiBantu vanoshandisa mabhii echiRatini avanoshandura kuti anzwike seChizulu nekuda kwekusiyana kwemitauro.

Imwe horokodzwa a, b ...

Chizulu ne Chishona

Imwe horokodzwa Chishona, Tsananguro ...

Mabviro eruzivo

Loading related searches...

Wikiwand - on

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Remove ads