Dunhu reManicaland

From Wikipedia, the free encyclopedia

Dunhu reManicaland
Remove ads

Dunhu reManicaland idunhu munyika yeZimbabwe.

Thumb
Mepu yeZimbabwe ine dunhu reManicaland riri rweruvara dzvuku

Dunhu reManicaland rine nharaunda ye36,459 km2 nehugari hwemamirioni 1.57, sokubvira 2004.[1][2] Guta reMutare ndiro guta guru redunhu.

Nzvimbo

Thumb
Govaniso yedunhu reManicaland panguva yeSarudzo ya2008

Dunhu rakapoteredzwa nedunhu reMashonaland East kumaodzanyemba, nyika yeMozambique kumabvazuva, dunhu reMasvingo nedunhu reMidlands kumadokero. Guta guru redunhu, Mutare (hugari:184,205)[3], rinova iro 265km kubva kuHarare, inova guta guru yenyika yeZimbabwe neguta rakakurisisa munyika iyoyo, netara.[4]

Zvikwata

Thumb
Zvikwata zveManicaland

Manicaland yakagovaniswa kuita zvikwata zvinomwe:

  • Buhera
  • Chimanimani
  • Chipinge
  • Makoni
  • Chikwata Mutare
  • Mutasa
  • Nyanga

Vanhu

Vanhu veku Manicaland vanotaura chiShona asi zvikwata zvakasiyana siyana zvinoitawo mitauro-pazasi (sub-dialect) wawo wega. Somuenzaniso, chikwata Mutasa chinoshandisa mutauro pazasi wechiManyika. Kuchikwata Makoni, vanhu vanoshandisa mutauro-pazasi unonzi Maungwe. vanhu vazhinji vanotevera zvinamato zvechivanhu asi vanoteverawo ChiKristu. Vazhinji maKristu vanova vatendi ve Kereke yeMethodist, vamwe veKereke yeEngland (kereke Anglican) asi vamwewo maRoma. Vamwewo vanopinda makereke echipostori.

Zvikoro muManicaland

Kazhinji muManicaland munova nechikoro mukati metaramunyongo ye5km. Kune zvikoro zvakawanda zvepuraimari nesekondari zvinowanikwa mudunhu iri. Govaniso yezvikoro inoratidzwa mutafura iri pazasi.

Imwe horokodzwa Chikwata, Puraimari ...

[5]

Remove ads

Mabviro eruzivo

Loading related searches...

Wikiwand - on

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Remove ads