Mukubvu
From Wikipedia, the free encyclopedia
Remove ads
Mukubvu. Mukubvu izita remhuri inowanikwa muZimbabwe nechekumabvazuva. Zita iri rinobva pane mumwe muchero wemusango unonzi tsubvu kana kuti hubvu. Kune dzimwe nzvimbo zita iri rinoreva mukoko wenyuchi unogadzirirwa huchi. Mhuri yekwa Mukubvu ine mutupo we Dziva, Sambiri vekuna Save, uyo unovawo rwizi rukuru rwuri kuManicaland. Mhuri iyi inoyera mhuka dzemumvura dzinosanganisa hove, mbiti nezvimwewo zvinogara mumvura. Mhuri yekwa Mukubvu inowanikwa mudunhu rekwa Murewa nedzimwe nzvimbo dze Mashonaland. Vanhu vekwa Mukubvu ndeverudzi rweChishona uye vanotaura mutauro weShona. Vanhu vekwa Mukubvu vave kuwanikwa pasi rese kusanganisira nyika dzinoti USA, Canada, UK, South Africa, Australia nedzimwewo.
Remove ads
Wikiwand - on
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Remove ads