Utare

From Wikipedia, the free encyclopedia

Utare
Remove ads

Peji rino rinoda kuwerengwa, kuwedzerwa uye kugadziriswa

Imwe horokodzwa mutafura ye rupoterero ...

Utare (kureva iron) inhangande ye chemushonga ine chiratidzo cha-Fe, chichivamba kumutauro weChiratini pashoko rokuti ferrum, uye ine numeri ye atomu ya-26. Utare chikamu chesimbi dziri musirizi ye simbi dzoudarikira uye iri muboka rechiSere retafura yerupotera. Nendemu yayo, inhangande inowanikwa kwazvo pasirose, zvekuti inopfuura ufemu (oksijeni) (32.1% uye 30.1%, zvichiteerana), inoumba ruzhinji rwe Hunze ne Husomo hwe Rinopasi. Ndiro chinhu china chinowanzo wanikwa muUkoko we Rinopasi, kudzikiswa kwayo kwakaitika nekuda kwe manyuruko mumamire ayo erusimbi, zvitofu zvayo zvinowanikwako futi.

Remove ads

Zita

Shoko rekuti utare rinowanikwa muzita re guta re muZimbabwe, Mutare. Shoko iri rinofungidzirwa kuti rinoreva kuti iron kana kuti raive zita re ndarama. Asi mimwe mitauro ye Chibanthu inotaridza kuti hazvisizvo nekuti muChinyarwanda Utare zvinorevawo zvimwechete semuChishona, kwete kuti ndarama.

Duramazwi:

  • Ndemu - mass; kubva pa remu -> ndemu.
  • hunze - outer
  • husomo - inner
  • ukoko - crust
  • nyuruko - meteor: nyeredzi dzinouruka

Mamwe mapeji ekutarisa:

Loading related searches...

Wikiwand - on

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Remove ads