Chirema (chindeya)
From Wikipedia, the free encyclopedia
Chirema, Chiremera kana Sotani (ku Chingezi: Saturn; chikwangwani: ) chindeya chechitanhatu kubva kuzuva uye yechipiri pakukura muMutandiro weMushana. Vhenekeratsvimborume ndicho chindeya chakakurisa kudarika Chirema. Chindeya ichi igasi hofori ine avhareji nharaunda ingangoita mapfumbamwe nehafu nguva yeRinopasi.[1][2]
Muchishona Chirema akapihwa zita rake nekuda kwemataridziko ake, muchirungu zita rake chirema rinoreva kuti "the lame or abnormal star". Uye vaitendawo kuti matombo aipoterera Chirema akange akafanana ne vana vaisiya imba vachienda kunozvimirira pachavo sevanhu vakuru, pamwe iro zita rekuti Chiremera rakatumidzwa nekuti vanhu vakuru vane 'dignity', kana kuti rinogona kunge rakazvarwa nekuda kwekutadzwa kwekunyorwa.