From Wikipedia, the free encyclopedia
Dunhu rekwaChivi riri kuMasvingo Province muZimbabwe. Chivi idunhu remhari rakashomeka mvura yekunaya, rinowanikwa riri paMutunhu weKurima 4 pamwe ne5. Munguva yaitonga Varungu dunhu iri raidanwa kunzi Chibi.
Dunhu rekwaChivi rinowanikwa munyika inonyanya shangwa, iri kuMaodzanyemba kweMwenezi nekuMadokero kweMasvingo (District). Chikamu chikuru chedunhu iri chakagarwa nevarimi vanozvirimira nemhuri dzavo. Nokuda kwekushomeka kwemvura yekunaya, Hurumende yeZimbabwe yakaparura mibisho yevanodiridza minda, izvi zvine chinangwa chokubatsira mhuri dzemo kuwana mari yokuraramisa.
Dunhu rwekwaChivi rine Zvikoro zvizhinji, pane zvakakurumbira kunoti: Chibi High, Berejena Mission, Nyaningwe St. Lukes nezvimwe zvikoro zvidiki zvinopinda vana vachibva kudzimba. Zvikoro zvePrimary zvinowanikwa mudunhu iri zvinosanganisira: Mushayi; Madyangove ; Mpagamuri; Mawadze; Musvovi; Chomuruvati; St Marry, Nemauzhe; Berejena mission; Chikofa, Gwamatoto; Muvhundusi, Vundembe, Dombo, Mazorodze, Mangwana, Nyevedzanai, Masunda South, Masunda North, Chasiya; Matihwa, Mhosva, Befura, Mukotosi, Madamombe, Mudadisi, Sukwe zvichingodaro.
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.