Mukweso
From Wikipedia, the free encyclopedia
Mukweso wemagetsi (muChirungu: electrical resistance) wechinhu chinoshanda nemagetsi zvinoreva kupikisa kwekufamba kwemuyerero wemagetsi muchinhu ichocho. Kana mukweso wakondekwa (inverse) unonzi mugwinho; izvi zvinoreva kuti zviri nyore sei kuti muyerero wemagetsi upfuure muchinhu chinoshanda nemagetsi. Chiyerwo chemukweso mudandira rezviyero pasirose (SI) chinonzi ohm. Mugwinho hunoyerwa mumasiemens.
![Thumb image](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/e/e4/Metal_film_resistor.jpg/250px-Metal_film_resistor.jpg)
Chiro chine mucheko wenharaunda, wakaenzanirana chinoratidza mukweso une rupandavaro rwakadondeka hurefu. Zvinhu zvese zvine mukweso wemagetsi, kunze kwemasupakondakita asina mukweso.
Mukweso (R) wechiro unodudzirwa semudida webasa paumwe hwechaji (vhoruteji) kumativi kwechiro (V) nerufuvha muchiro ichocho (I) pachiva nemugwinho (G) iri pindukwo yacho:
Kune zviro zvizhinji, V na I zvine rupandavaro rwakadondeka; izvi zvoreva kuti R na G mikokonerwa (constants) (asi zvinogona kushanduka zvichienderana nezvimwe zvinhu somuenzaniso, hujoto). Rupandavaro urwu runodudzirwa neMutemo waOhm uye zviro zvinotaridza rupandavaromsaizvozvi zvinonzi zviro zviri ohmiki.
Mukweso wemagetsi unoyerwa neohmita (ohmmeter).
Rimwe izwi rinoreva resist nderekuti kutayira, kutavira.???
- Kukwesa (Be defiant, contumacious).