From Wikipedia, the free encyclopedia
Nhangande Rudarikira (transition elements) imhando yenhangande dzinoti gokerero (shell/orbital) rezasi chakaperevedza (hachina kuzara) asi gokerero rekumucheto riine mhodzigetsi (electrons) dzakakwana. Nhangande rudarikira dzine nhamba dzeatomu dzinoti: 21–29, 39–47, 57–79, uye 89–107. Saka zita rokuti nhangande Rudarikira rinobva pakuti gokerero remukati rakaperevedza asi gokerero rekumucheto rizere. Nickel imhando yenhangande rudarikira.
Zvichibva muGold Book ravo veIUPAC vanoti nhangande rudarikira inhangande ine gokerero-D (D-orbital) rakaperevedza pakuverengwa kwemhodzigetsi kana kuti nhangande inobuditsa manondanhuka aine gokerero-D rakaperevedza. Kutsetsenura kweduramazwi iri kunoreva kuti mapoka 3-11 ari pasi penhanhgande rudarikira. Mukutsetsura seizvi IUPAC yakasiya boka-12 kubva mubande renhangande rudarikira - zvoreva kuti zinc, cadmium and mercury dzakasiiwa kunze kwenhangande rudarikira.
Asi vamwe ana mhizhamushonga (chemist) vanochinjanisa zita renhangande dzeDandare-D (D-block) nenhanagande rudarikira, saka ava vanenge vachibatanidzira mapoka 3-12 senhangande rudarikira. Panhambo iyi, nhangande dzeboka 12 dzinobatwa nemutowo wakasarudzika wenhangande rudarikira unotendera kuti mhodzigetsi dzegokerero-D dzisagoverwa pakubhondha kwemitombo.
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.