VaRemba
From Wikipedia, the free encyclopedia
Varemba (shoko kuti Remba ndere Chishona muZimbabwe uye muChivhenda kuAfurika Chamhembe zvakafanana nekuti Lemba) rudzi rwevanhu vatema vanowanikwa muZimbabwe, Afurika Chamhembe, Malawi ne Mazambuko (Mozambiki). Umbowo hwesainzi pamwe nengano zvoniwirirana kuti madziteteguru avo vaive verudzi rwechiJudha. KuAfurika Chamhembe rudzi urwu runodanwa nezita rokuti Lemba. MuZimbabwe Varemba vanodanwawo kuti Vamwenyi.
Huwandu hwe vanhu | |
---|---|
50,000+ (inoestimetwa) | |
Matunhu ane huwandu ruzhinji | |
Mitauro | |
Chidaviro | |
Syncretic: chiJudha, chiKristu, Iziramu |
Vanhu verudzi rwaVaremba vanotaura mitauro yechiBantu inosanganisira, Chishona, Chivhenda ne Chikalanga. Varemba vane tsika dzavanotevedza nemaitiro eChinamato anotodza kana kufanana nemaitiro echiJudha. Zvisinei kune vamwe vavo nhasi vanotevedza chiKristu vamwe vachitevedza Chisalama. kunyangwe vazhinji vachichengetedza tsika dzinofanana nemaJudha.
Tiri muZimbabwe vaRemba vanowanikwa mumatunhu akasiyana. Mudunhu reMberengwa vanowanikwa vachiera mutupo we zhou vachidanwa kunzi vaShavi kana kuti vana Mavedzenge. KwaGutu (Hwingwiri, Rufurwokuda, Muzungu, Faraoh, Muremba, Mumwenyi, Vasengwesengwe). Buhera, Guruve, Masvingo District (kwaMurinye), Muzarabani nedzimwe nzvimbo vanowanika vachiera mutupo we Zhou kana kuti Mbeva uye vachidanwa kuti vanaMusoni kana kuti vaShavi.
Maita musoni
Muzungu vasingarimi, vasibati nyama
Vanovetera yabva pamoto, vasengwengwe
Varungu vakabva kusina mhezi,
Akagara ngozi,
Maita varemba
Vamwenye
Vauyi vakabva kusina mhezi
Vasingasoni neshinda nhema
Vaera mbeva
Vakashoshonora shono mumwena
Aiwa zvaitwa musoni
Vahaji veshambo chena.
Maita Zhou Maita Hamisi Chirimazhira Vamangandanganda Musoni VamaStaha Mushavi