ChiShona
From Wikipedia, the free encyclopedia
Chishona (kana Chistandadhi Shona, Chivanhu), mutauro (uye boka remitauro) weChibantu inowanikwa kuChamhembe che Afurika munyika dzinosanganisa Zimbabwe kwairi mutauro weuhofisi (official) uye wo, Mozambiki, Zambia, Afurika Chamhembe ne Bhotswana. Chishona chinemitauro zhinji iripedyo nayo uye nimtauro nyina inosanganisa Chindau, Chikorekore, Chikaranga, Chimanyika, Chibuja (Chibudya), Chitewe, Chitawara (Chitavara). Zvakadaro zvakafanira kuti tionesane kuti kune vamwe vatauri vasingafare kuti vanzi vari muboka remutauro weChishona - ivava vanoona mitauro yavo semitauro yakazvimirira yoga isiri pasi peChishona.[1]
ChiShona | |
General Information | |
Nyika | Zimbabwe, Botswana neMozambique |
ISO 639 | |
ISO 639-1 | sn |
ISO 639-2 | sna |
ISO 639-3 | |
Chishona chinehukama huri pedyo ne Chikalanga, Chivhenda ne Chinambya nokuda kwokuti mitauro yaitarwa ne vanhu vaive (uye vachiine) hukama huri pedyo.
N'wadhi re nganonyorwa rekutanga rakanyorwa mugore ra1957 naSolomon Mutswairo rinonzi Feso.
Vanhu vakaronga kuti Chishona chive chinonyoreka ndiClement Doke naGeorge Glynn Fortune.
Kune kusa wirirana kwemanyorerwo emutauro weChishona zvichibva pakuti vatauri vazhinji vari kutadza kubvuma kuvake kwemashoko madiki akaita sekunge anotevera aya: ku, pa, ma, va, aka, zvichingo daro. Zvakafanana nekuvapo kwemashoko anenge I, of, is, for paChirungu. Semuenzaniso, ndima yechipiri kubva kumusoro yaifanira kunyorwa ichiti, "Zvakadaro zava fanira kuti tiwonesane kuti kune vamwe vatauri".
Tika kwanisa kunyora tichidai zvinoita nyore kune vanoda kunyora kana kusika mapurogiramu kana Sofutwe (software) kana maEpu (app) ekuturukira mutauro wedu weChishona.