Rupinguro rweMishonga
From Wikipedia, the free encyclopedia
Rupinguro rweMishonga (chemical reaction, change of form, state or attitude) zvinoreva kushanduka kana kupishinuka kubva pakubatanidzwa kwakaitwa hatomu dziri pamishonga. Rupinguro rweMishonga runoonekwa kana chimwe chezvinotevera chaitika:
- Mishonga yasanganiswa,
- Hujoto hwakwira kana kudzika,
- Puresha yakwira kana kudzika.
- Hutapiri hwemushonga kana huchinge hwakwira kana kudzika.
Mazwi anoti Rupinguro rweMishonga runotaura kushanduka kwechimiro chemushonga kuburikidza nekushanduka kunenge kuchiitika pane zvakakomberedza mushonga. Zvakafanira parizvino kuonesana kuti mushonga uri pamhene pane mhepo uri kutosangana nemhepo ipapo panosangana mhepo nemushonga. Muchidzidzo chezvemishonga mhepo itori mushonga une magasi akasiyana-siyana. Saka kana mushonga uyu uchikwanisa kuita muvandu nemhepo unototanga kuita. Zvakafanana ne iron iri pane mhepo nemvura inotanga kuita ngura.
Izwi rokuti kupingura rinotaurwa kuChiNdau richireva kupindura - (answer, reply, respond, react).