Muzvidzidzo zveMasvomhu nePimanyika, nharaunda (1. Area, 2. Territory, district, province, 3. Environment) izwi rinoreva kukura kwakaita nzvimbo kunowanikwa nokuunga hwasha nehurefu hwenzvimbo iyoyo.

  • Nharaunda inodudza kukura kwenzvimbo ine nzenda mbiri.
  • Nharaunda inogonawo kutsvakwa pazviumbwa zviri pamutsendo uye chiso chine nzenda nhatu.
  • Nharawanzi

Kupima nharaunda

Nharaunda inomimwa nezviyero zvinoti: skweya remita; skweya rekiromita; skweya refutu zvichingodaro. Kana kuchinzi skweya remita zvinoreva nharaunda yakakura kuenzana neye skweya rine mativi akareba mita rimwe. Ndizvo zvimwe neskweya rekiromita rine nharaunda yakakura kuenzana neye skweya rine mativi akareba kiromita rimwe.

Mitauro yeAfrika

Takatarisa mazwi eSwahili ari pasi ayo tinoona unda zvichireva nzvimbo yakavakwa!

  • Kinyarwanda inoti intara (region, area) kureva dunhu kana nzvimbo. Djimini inoti tara (n. land, soil, continent, countries) vachireva nyika kana ivhu.
  • Luwanga inoti litala (village or kraal belonging to same family). Taabwa inoti mitala (n. the inhabited surroundings) inzvimbo igere vanhu - pavakavaka.
  • Swahili inoti kuunda (make, construct, fit together, form; put together; to assemble), kuvaka kana kuumbanidza. Mamwe mazwi: muundo (1. building, structure, 2. pattern , model; 3. form, shape).
  • Digo inoti unda (to make, to create, to construct) kureva kuvaka. Swahili inoti muunda kana muundi (one who builds or constructs something usually of wood) kureva muvaki.
  • Lugwere inoti mutala (locality, local area) idunhu kana nharaunda. Mandinka inoti dalaa (adj. near; besides) kureva pedyo kana parutivi.

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.