Varungu
From Wikipedia, the free encyclopedia
Tarisai futi peji re: Rudzi rweVarungu
Izwi rokuti Varungu, vazungu, makiwa kana Varumbi (Whiteman, European, Caucasian) rinoshandiswa kududza munhu ane ganda jena anobva kunyika dziri kuYuropu kana ane madzitateguru akabva kudunhu iri. Varungu vanowanikwawo kuRhashiya inova nyika ine chimwe chikamu chiri muEzhiya chimwe muYuropu.
Rudzi rweVarungu rwakapambira Pasirose munguva yokupamba kwavakaita Afurika, Maodzanyemba eAmerika, Chemhembe cheAmerika, Ostireriya neNyuzirandi.
Mutauro wekuEngland unonzi English, asi isu toti Chingezi. Shoko rokuti chingezi rinotaurawo pamusoro petsika dzeMangezi, nokumwe kutaura tori Chirungu kana Chirumbi.