Bhahari re Kaspiya
From Wikipedia, the free encyclopedia
Remove ads
Bhahari re Kaspiya (nge. Caspian sea) kana bhahari kaspiya, ndiro gahwi remwiri wemvura guru repasirose, rinowanzotsangugwa senyanza guru repasirose kana sebhahari chairo. Ibhasini risingayereri (endorheic), rigere pakati pe Yuropu ne Ezhiya; kumabvazuva kwe Kaukasi (Caucasus), kumadokero kwemapomho mafaru cheEzhiya Yepakati, kuchamhembe kwemapani anomerese eChamhembe kwe Rhashiya kuMabvazuva kwe Yuropu, uye maodzanyemba ePlatuwu (plateu) izeremakomo yeIrani kuMadokero kwe Ezhiya. Inovhara 143,550 sk mu (372,000 km2) (pachisiyiwa laghuni inevumunyu (saline) ye Garabogazköl kumabvazuva kwayo) uye ine vhorimu ye 78,200 km3 (19,000 ky mu). Vumunyu bwayo bwunosvika pamwe 1.2% (12 g/l), vutatu wevumunyu bwunowanikwa mumvura ye bhahari pachiavhareji. Yakaganhurwa ne Kazakhistani kumaodzanyembaemabvazuva, Rhashiya kumaodzanyembaemadokero, Azeribhaijani (Vuazeri) kuchamhembechemadokero, Irani kuchamhembe, uye Turukimenistani kuchamhembe chemabvazuva.

Remove ads
Mashoko ashandiswa
Mayuniti e Upami
Mashoko
- ghawa ishoko rechishona rinoreva kuti inlet - rinonyorwa zve sokuti gawa
- Kaukasi or Vukokasi kureva caucausus - pachivanhu Vu- anoshandiswa panotaurwa nyika kana nzvimbo yevanhu, senge Vukaranga (ndiro raive zita reZimbabwe kare).
- mapomho mafaru, kureva bombo rakafaruka, pachingezi i - broad steppe
- chizaramakomo kana izeremakomo, nyazaramokomo chipauro chirikushandiswa kutsangura chonzi mountainous pa chingezi.
- platuwu (plateu)
- vumunyu kureva saltiness, of salt -> saline
Remove ads
Mamwe mapeji ekutarisa:
Mabviro eruzivo
Wikiwand - on
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Remove ads