Chihara
From Wikipedia, the free encyclopedia
Remove ads
Chihara (sheath, scabbard) zvinoreva chihomwe chinoshandiswa kuchengetera banga, bakatwa kana munondo; nguva zhinji chihara chinenge chakarukwa nedehwe uye chinosungirwa muchiuno kana munhu ari kufamba nechombo chacho.

Nokumwe kutaura chinonzi hara; zvakawanda zvonzi makara. Vamwe vanoti gwaraba.
Mamwe Mazwi
- Makara, muhara, mahara.
Mazwi eBantu
- VaKongo vanoti kutu (Scabbard; sheath) kureva homwe inopfekerwa banga kana munondo.
- VaWanga vanoti okhutsoma (Sheath, insert) kureva kupfekera muhomwe kana chihara.
- VaWanga vanoti okhutsomola (unsheath, pull out from sheath or socket; withdraw) vachireva kusvomhora.
- Baila vanoti ku soma (to sheathe) vachireva kupfekera muchihara.
- Baila vanoti muntemba (Sheath of arrows) kureva chihara chemiseve.
Remove ads
Wikiwand - on
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Remove ads
