Chikumi
From Wikipedia, the free encyclopedia
Remove ads
Chikumi (kureva Junhi paChishongrish muKarenda ya Gregori) kana Mandundu izita remwedzi wechinhanhatu mu gore, uye rinomaka chikamu chegore. Mumwedzi wechikumi kukohwa kunenge kwapera, ikozvino zvirimwa zvapararira kuti zviome pa 'matara' akaiswa. Inguva inotarisirwa kwazvo yevana. Ivo vanopfuura nemuminda vachiunganidza chero zvirimwa zvasara, uye vanoshandisa izvi zvekudya kutamba imba ('mahumbwe'). Vafudzi-vakomana vanotorawo zororo sezvo mhuka dzinosiiwa dzichidzungaira muminda. Mombe dzinogona kudya zviyo zvakasara, makoko, mashizha nemashanga.[1]

Remove ads
Mwaka
Zimbabwe
Kubva kuna Kubvumbi kusvika kunaGumiguru mwaka weZimbabwe inguva wemwaka wakaoma, hapana mvura inonaya, uye hunyoro hwakaderera. Mhuka dzesango dzinozotenderedza makomba emvura nenzizi kana mamwe matsime emvura aoma.
Mwaka mumwedzi waChikumi ndi:
Mutsika dzevanhu
Zita
- Chikumi izita munyika yeZimbabwe, rinonyanyo pihwa kuvakomana, izita reChishona richimirira mwedzi unezita rimwe.
- Kunyangwe kuVarungu June izita remunhu, asi rinonyanyo pihwa vasikana.
Ruambanyeredzi
MuRuambanyeredzi pane masaini maviri ezodhiyaki:
- Mamanga (jemenai; rinotanga munaChivabvu richiperera musiwa 20 Chikumi)
- Gakanje (kenza; rinotanga musi wa21 Chikumi richipera muna Chikunguru.
Remove ads
Mabviro eruzivo
Wikiwand - on
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Remove ads