Badza

From Wikipedia, the free encyclopedia

Badza
Remove ads

Ribadza kana badza (kureva hoe muChingezi) pauwandu tichiti mapadza, mudziyo kana kuti turuzi rinoshandiswa kutimba, kuchera nekusakura. Badza rine mupinyi kana kuti mubato wakareba zviri pakati pe 0.5-1.0m; kune rimwe divi rebadza kunenge kune gwati resimbi rinopfekerwako rakachinjikana nemupinyi. Gwati resimbi iri ndiro rinotemeswa pasi kana kuchiitwa mabasa ekuchera, kutimba kana kusakura.

Mhando dzemapadza dinosanganisira: chikuruwo, chifengu.

Chikuruwo zvinoreva badza rasakara rapera gwati resimbi racho rinochera. Aka kanodanwa zvakare kuti: chimwango, kakuruwo kana kuti kaserima.

Thumb
Munhu ari kusakura nebadza.
Remove ads

Tsika


MuZimbabwe mune mazita emhuri ane chekuita nebadza anosanganisira: Badza, Nyabadza, Badzarigere, Chikuruwo.

  • Gwao, magwao (Old hoe) kureva gwau kana badza rasakara. Vamwe vangati mugwau. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mugawu?
  • Muyangwa kana muvangwa (ridge on metal article).
  • Kukaraura (Scratch ground with a hoe).
  • Kuchera, kutsa kana kupanda (to dig).
Remove ads

Kurerutsa Mutauro

Tsumo

Mitauro Imwe Yemu Africa

  • Swahili vanoti kiselema kana kichelema (an implement (hoe, knife, pencil) that has been worn down by much use).
  • Iton vanoti bàgbà (n. stick) kureva chimuti. Chichaga vanoti makumbi (n. hoes) kureva mapadza.
Loading related searches...

Wikiwand - on

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Remove ads