Mutsendo

From Wikipedia, the free encyclopedia

Mutsendo
Remove ads

Muchidzidzo chePimanyika, mutsendo (Plane, flat area) izwi rinoreva uso hwakatichechetere kunge pamusoro pemvura. Mutsendo unogonga kunge wakamiswa wakaita mutwi kana kurara kuti sandarara (horizontal) kana kurereka neipi zvayo gonya. Mutsendo uso hune nzenda mbiri chete, hwasha nehurefu; mutsendo hauna hudzamu. Somuenzaniso kana takatarisa pamusoro petafura yakanatsa kukwenenzverwa tinenge tiri kuona mutsendo

Thumb
Mutsendo miviri inochekana

Izwi iri ririkutorwa kubva pamutsendo chinova chombo chinoshandiswa nevanoveza mapuranga. Mutsendo (plane kuEnglish) unoshandiswa kuveza mapuranga kuti puranga rive neuso hwakati chechetere husina makomba uye husina kumanzika.

Remove ads

Kujekesa

Kuveza, kusenda (to plane, to make smooth, to peel). Tsendo (plane, carpentry equipment).

Kutsepeteka (fit flushly). Akabatanidza mapuranga akasara anatsoti tsepete.

Loading related searches...

Wikiwand - on

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Remove ads