Mimhanzi

From Wikipedia, the free encyclopedia

Mimhanzi
Remove ads

Mhanzi (ku Chingezi: Music) kana mimhanzi uye mumhanzi imhando ye useza inoshandisa ruzha runorongwa munguva. Mhanzo imhano yevaraidzo futi inosanganisa ruzha rwuno farirwa nevanhu kutereera kana kuteerera vachidzana. Mhanzi dzakawanda dzinowanzo sanganisa vanhu vanoyimba nemazwi avo kana vanoridza zviridzwa, senge mbira, marimba, piyano, gitare, ngoma, vhayorini, kibhodhi, uye ngoma dzechirungu. Munhu anosika mhanzi anonzi mumhanzi; musezi wemhanzi (music artist).

Thumb
Mufananidzo we mhanzi ye Afurika
Thumb
Mbira dze Nharira

Mhanzi inodarika kuridza zviridzwa nekuyimba inosanganisa wo, kunyora nziyo (rwiyo paumwechete). Nziyo ndiro shoko rinoshandiswa kureva mhando yezvizvarwa zvinobuditswa pakusikwa kwemhanzi uye ndiyo nzira yemhanzi inofarirwa zvikuru nevanhu. Munhu anonyora mhanzi unotsi munyori wenziyo uye, zvinyorwa zvake zvinonzi rutsaranziyo (lyrics) paruzhinji, asi rutsararwiyo (pamwe).

Remove ads

Zita

Shoko reChingezi rekuti 'music' rakabva ku shoko re Chigiriki (mousike), rinoreva kuti "(useza) we maMiyuzi" ("(art) of the muses"). Mu Girisi yeKare, maMiyuzi aisanganisa vamwarikadzi we mhanzi, nhetembo, useza uye kudzana.

Mhanzi muAfurika

Tarisai futi peji re Mhazi muAfurika

Misambo

Kune misambo yemimhanzi yakasiyana siyana; muZimbabwe musambo ine mukurumbira inosanganisira: museve, mbira, chimurenga, reggae, nemimwewo misambo.

Vayimbi vakuru muZimbabwe vanosanganisira: Oliver Mtukudzi, Thomas Mapfumo, Stella Chiweshe nevamwewo.

Zvikamu zve mhanzi

Mhando ye Zviridzwa

Tarisai peji re: Zviridzwa zvemhanzi

  • Gwama kana hwamanda (horn).
  • Munanzi (flute).
  • Dimbwi
  • Mudimbwa kana chimadangira (lyre??).
  • Mbira (ye mhanzi).
  • Chimazambi
  • Ngoma.

Zvinhu zve mhanzi

  • Ungamhanzi (album)
  • EP (Eksitendedhi pureyi -> extendend play)
  • Unganidzo (collection)

Zvimwe zvinyorwa zve mhanzi

Mamwe mashoko ekuziva

  • Kudetemba
  • Kudeketera
  • Kutengezana kana mutengezanwa (singing in parts).
  • Kupangira (to tune an instrument e.g. mbira or guitar) kunhadziridza chiridzwa kuti chirire muririro unodikanwa.
  • Uzimba kana chidoonyera (discord in singing).
  • Mujangira (Unity of a musical or other composition). Kune zita remhuri rinonzi Jangira.

Mazwi eBantu

  • Vatauri veUmbundu vanoti sika (play on musical instrument).
  • Vatauri veUmbundu vanoti usika (player of musical instrument).
  • MaZulu vanoti umpambano (discord) vachireva rupambano?
Remove ads

Tarisai futi:

Loading related searches...

Wikiwand - on

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Remove ads