Vazeruru, Wazezuru kana Bazezuru vanhu vedzinza rechiShona vanotauri mutauro unonzi Chizezuru. Mutauro wavo ndiwo unotaurwa nevanhu vazhinji veChivanhu nekuti Sitandadhi Shona inotora mashoko kubva kuChizezuru nemamwe mashoma kubva kumimwe mitauro yechiShona. Vazezuru vane hukama nemadzinza aya: Vakaranga, Vandau, Vakorekore neVamanyika (Samanyika), uye vane hukama huripedyo neVakalanga, Vavhenda, Vadoma neVasena.[1]
Mutauro |
Chizezuru, Chisitandadhi Shona |
Huwandu |
5.2 zvuruzvauru/mamiriyoni |
Mutauronyina |
Mutauronyina weChizezuru
- Shawasha, Gova, Mbire, Tsunga
- Kachikwakwa, Harava, Nohwe,
- Njanja, Nobvu
- Kwazvimba (Zimba)
|
Mhuri yemutauro |
Bantu
|
Nzvimbo |
Mashonaland East
Central Zimbabwe kudhuze neHarare |
Nyika |
|
Hukama |
|
|